11 Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;tsvakai chiso chake nguva dzose.
12 Rangarirai zvishamiso zvaakaita,zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
13 Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14 Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose.
15 Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira,kwechiuru chamarudzi.
16 Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
17 Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti: