13 Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14 Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose.
15 Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira,kwechiuru chamarudzi.
16 Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
17 Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:
18 “Kwauri ndichapa nyika yeKenani,sechikamu chenhaka yako.”
19 Pavakanga vari vashoma,vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,