20 vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.
21 Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire;nokuda kwavo akatuka madzimambo.
22 “Musabata vazodziwa vangu;musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
23 Imbirai Jehovha, pasi pose;paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24 Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
25 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
26 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,asi Jehovha akasika matenga.