34 Vongai Jehovha nokuti akanaka;rudo rwake runogara nokusingaperi.
35 Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;tiunganidzei uye mutirwire pandudzi,kuti tigovonga zita renyu dzvenekuti tifarisise mukukurumbidzai.”
36 Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.
37 Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.
38 Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhuruni naHosa vaiva vatariri vamasuo.
39 Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni
40 kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.