4 Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:
5 Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira
6 uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
7 Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
8 Vongai Jehovha, danai kuzita rake;zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
9 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
10 Zvirumbidzei muzita rake dzvene;mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.