39 Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa,
40 Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi,
41 Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama.
42 Vanakomana vaKarebhu munun'una waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.
43 Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.
44 Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai.
45 Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.