1 Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita mwanakomana wake Soromoni mambo pamusoro peIsraeri.
2 Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi.
3 VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere.
4 Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa kwetemberi yaJehovha uye zviuru zvitanhatu vachava vakuru navatongi.
5 Zviuru zvina vachava vachengeti vamasuo uye zviuru zvina vacharumbidza Jehovha nezviridzwa zvandakapa nokuda kwechikonzero ichi.”
6 Dhavhidhi akapatsanura vaRevhi akavaisa mumapoka zvichienderana navanakomana vaRevhi vaiti: Gerishoni, Kohati naMerari.