20 Naizvozvo vaIsraeri vose vakadzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko.
21 Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeria, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chetatu cheshekerib.
22 Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo.
23 Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi.