1 Rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiende kumusasa wavarwi vevaFiristia kudivi rimwe iro.” Asi haana kuudza baba vake.
2 Sauro aigara nechokumucheto kweGibhea pasi pomuti womutamba muMigironi. Aiva navarume vanokarosvika mazana matanhatu,
3 pakati pavo pana Ahiya, akanga akapfeka efodhi. Akanga ari mwanakomana womukoma waIkabhodhi, Ahitubhi, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEri, muprista waJehovha muShiro. Hapana akaziva kuti Jonatani akanga aenda.
4 Kumativi ose omupata waida kuyambukwa naJonatani kuti asvike pamusasa wavaFiristia, kwaiva neshongwe yebwe; imwe yainzi Bhozezi imwe ichinzi Sene.
5 Imwe shongwe yaiva nechokumusoro kwakadziva kuMikimashi, imwe iri zasi kwakadziva kuGebha.