9 Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo.
10 Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake.
11 Uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose.
12 Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro.
13 Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo.
14 Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye.
15 Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya.