3 “Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,nokuti Jehovha ndiMwari anoziva, uye naye mabasa anoyerwa.
4 “Uta hwavarwi hwatyorwa, asi avo vakagumburwa vashongedzwa simba.
5 Avo vaiva vakaguta vakandoshandira zvokudya zvavo,asi avo vaiva nenzara havachanzwi nzara zvakare.Uyo aiva asingabereki abereka vana vanomwe,asi iye akanga ana vana vazhinji oshayiwa simba.
6 “Jehovha ndiye anouraya uye ndiye anoraramisa;anodzikisa kuguva uye anomutsawo.
7 Jehovha ndiye anopa urombo uye noupfumi;uye anoninipisa uye anosimudzira.
8 Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota;anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa.“Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika.
9 Acharinda tsoka dzavatsvene vake, asi vakaipa vachanyaradzwa murima.“Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.