1 VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?”
2 Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko.
3 Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo,
4 akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo.
5 Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza.
6 Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.”