7 Erisha akaenda kuDhamasiko uye Bhenihadhadhi mambo wavaAramu airwara. Mambo akati audzwa kuti, “Munhu waMwari asvika kuno,”
8 iye akati kuna Hazaeri, “Tora chipo uende nacho unosangana nomunhu waMwari. Undibvunzirewo Jehovha kubudikidza naye; umubvunze kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ”
9 Hazaeri akaenda kundosangana naErisha, akamuvigira chipo chezvipfeko zvose zvakanga zvakanaka kwazvo zveDhamasiko zvaitakurwa namakumi mana engamera. Akapinda mumba akamira pamberi pake, akati, “Mwanakomana wenyu Bheni-hadhadhi mambo wavaAramu andituma kuti ndizobvunza kuti, ‘Ndichaporawo here pakurwara uku?’ ”
10 Erisha akapindura akati, “Enda unoti kwaari, Zvirokwazvo muchapora, asi Jehovha akandiratidza kuti vachafa zvirokwazvo.”
11 Akaramba akamutarisa kusvikira Hazaeri anyara. Ipapo munhu waMwari akatanga kuchema.
12 Hazaeri akamubvunza akati, “Seiko ishe wangu achichema?” Iye akapindura akati, “Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vaIsraeri. Uchapisa nhare dzavo nomoto, uchauraya majaya avo nomunondo, ucharovera pwere dzavo pasi, uye uchatumbura vakadzi vavo vane mimba.”
13 Hazaeri akati, “Ko, muranda wenyu chiiko, iyo imbwa zvayo, kuti angaita chinhu chakakura kudai?” Erisha akapindura akati, “Jehovha akandiratidza kuti iwe uchava mambo wavaAramu.”