2 Soromoni akavaka patsva misha yaakanga apiwa naHiramu, akagarisa vaIsraeri mairi.
3 Ipapo Soromoni akaenda kuHamati Zobha, akandorikunda.
4 Akavaka Tadhimori murenje namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati.
5 Akavaka patsva Bheti Horoni Yokumusoro neBheti Horoni Yezasi samaguta akakomboredzwa namasvingo namasuo namazariro,
6 pamwe chete naBhaarati namaguta ake okuchengetera ose namaguta ose engoro dzake namabhiza ake, zvose zvaida kuvakwa muJerusarema muRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.
7 Vanhu vose vakasiyiwa kubva kuvaHiti, vaAmoni, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi (vanhu ava vakanga vasiri vaIsraeri)
8 zvichireva kuti vana vavo vakasara munyika, avo vasina kuparadzwa navaIsraeri, ava Soromoni akavatora kuti vave vashandi vake vechibharo sezvazviri nanhasi.