10 Akakamura matenga akaburuka pasi;makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
11 Akatasva makerubhi akabhururuka;akabhururuka mudengadenga pamapapiro emhepo.
12 Akaita kuti rima rimupoteredze setende,iwo makore matema emvura yokudenga.
13 Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan'ana emheni akapenya.
14 Jehovha akatinhira ari kudenga;inzwi roWokumusoro-soro rakanzwikazve.
15 Akapfura miseve akaparadzira vavengi,mabhanan'ana emheni akavaparadza.
16 Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha,nokufema kwomweya nemhino dzake.