27 kune vakachena munozviratidza makachena,asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
28 Munoponesa vanozvininipisa,asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
29 Imi muri mwenje wangu, Jehovha;Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.
30 Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa nechikwata chavarwi;naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
31 “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
32 Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
33 NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.