40 Makandishongedza nesimba rokurwa. makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
41 Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.
42 Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa,kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.
43 Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika;ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha.
44 Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu;makandichengetedza somutungamiri wendudzi.Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu.
45 Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera.
46 Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo.