22 Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.
23 Iye akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.
24 Pakati pavaya Makumi Matatu paiti:Asaheri munun'una waJoabhu,Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,
25 Shama muHarodhi,Erika muHarodhi,
26 Herezi muPariti,Ira mwamakomana waIkeshi aibva kuTekoa,
27 Abhiezeri aibva kuAnatoti,Mebhunai muHushati,
28 Zarimoni muAhohi,Maharai muNetofati,