16 Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo.
17 Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
18 Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari.
19 Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navana Dhanieri, naHanania, naMishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo.
20 Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi n'anga dzose navanhu vose muumambo hwose.
21 Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi.