1 Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope.
2 Saka mambo akarayira n'anga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo,
3 iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.”
4 Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.”
5 Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwegurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara.
6 Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.”