10 Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko. Iye akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu!
11 Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wen'anga, navamazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi.
12 Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa kuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo nokunzwisisa, uye nokugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirambwe nokupedza matambudziko. Daidzai Dhanieri, iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.”
13 Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here?
14 Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro.
15 Vachenjeri, navamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu nokundiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira.
16 Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro nokupedza matambudziko. Kana ukagona kuverenga runyoro nokunditaurira zvarunoreva, uchafukidzwa nguo yepepuru uye uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro poushe.”