1 Iyi ndiyo mitemo nemirayiro yamunofanira kuchenjera kuti mutevere munyika iyo Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, yaakakupai kuti ive yenyu, mazuva ose amuchagara munyika iyi.
2 Paradzai chose nzvimbo dzose dziri pamakomo akakwirira nepazvikomo zvose uye napasi pemiti yose yakapfumvutira apo ndudzi dzose dzamunotorera nyika dzinoshumira vamwari vadzo.
3 Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo ose anoera uye mupise matanda avo aAshera; temai zvifananidzo zvavo nezvimwari zvavo uye mugodzima mazita avo panzvimbo idzodzo.
4 Hamufaniri kushumira Jehovha Mwari wenyu nenzira yavo.