1 Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti.
2 Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa.
3 Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako.
4 Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo,
5 kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
6 Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai.
7 Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa.