12 VaHori vaimbogarawo muSeiri, asi vana vaEsau vakavadzinga kubva imomo. Vakaparadza vaHori vakanga varimo ivo vasati vavamo vakagara munzvimbo yavo, sezvakangoitawo Israeri munyika yavakapiwa naJehovha kuti ive yavo).
13 Uye Jehovha akati, “Zvino chisimukai muyambuke Mupata weZeredhi.” Saka akayambuka mupata.
14 Makore makumi matatu namasere akanga apfuura kubva panguva yatakabva paKadheshi Bharinea kusvikira patakazoyambuka Mupata weZeredhi. Panguva iyoyi rudzi rwose rwavarume vezera rokurwa rwakanga rwaparara kubva pamisasa, sezvakanga zvapikirwa naJehovha kwavari.
15 Ruoko rwaJehovha rwakaramba ruchivarwisa kusvikira rwavaparadza zvachose.
16 Zvino wokupedzisira pakati pavarume ava vokurwa akati afa,
17 Jehovha akati kwandiri,
18 “Nhasi unofanira kupfuura nomunyika yeMoabhu, paAri.