2 Ipapo Jehovha akati kwandiri,
3 “Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro.
4 Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau, vagere paSeiri. Ivo vachakutyai, asi muchenjere kwazvo.
5 Musavatanga kuti murwe, handingakupei chikamu chipi zvacho chenyika yavo, kunyange pangakwana kuisa rutsoka rwenyu. Ndakapa Esau nyika yamakomo yeSeiri kuti ive yake.
6 Munofanira kuvaripa nesirivha zvokudya zvamuchadya nemvura yamuchanwa.’ ”
7 Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Iye akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa.
8 Naizvozvo takapfuura hama dzedu vana vaEsau, vanogara muSeiri. Takasiya nzira inoenda kuArabha, yeArabha, inobva kuErati neEzioni Gebheri, ndokufamba nenzira yomurenje reMoabhu.