2 Hapana munhu akaberekwa noupombwe, kana vana vake, anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kurudzi rwegumi.
3 Hapana muAmoni kana muMoabhu, kana munhu upi worudzi rwake anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kurudzi rwegumi.
4 Nokuti havana kuuya kuzokuchingamidzai nechingwa nemvura parwendo rwenyu apo makabuda kubva muIjipiti, uye vakaripa Bharamu mwanakomana waBheori wePetori muAramu Naharaimu kuti akutukei.
5 Asi, Jehovha Mwari wenyu haana kuteerera Bharamu asi akashandura kutuka akakuropafadzai, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokudai.
6 Usatsvaka rugare kana ushamwari navo mazuva ose oupenyu hwako!
7 Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake.
8 Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha.