7 Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake.
8 Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha.
9 Kana muchinge maungana kuti murwe navavengi venyu, zvichengetedzei kubva pazvinhu zvose zvakaipa.
10 Kana mumwe wavarume venyu asina kuchena nokuda kwokuti akazvirotera usiku, anofanira kubuda kunze kwomusasa agareko.
11 Asi kana ava madekwana anofanira kuzvigeza, uye pakuvira kwezuva ngaapinde zvake mumusasa.
12 Munofanira kuva nenzvimbo kunze kwomusasa kwamunofanira kuenda muchinozvibatsira.
13 Sezvo panhumbi dzenyu dzokurwa nadzo paine zvokucheresa, zvino kana uchinge wapedza kuzvibatsira, unofanira kufusira gomba rawazvibatsira.