6 Mwanakomana wokutanga waachabereka anofanira kutora zita rehama yake yakafa kuitira kuti zita rake rirege kudzimwa muIsraeri.
7 Asi, kana munhu asingadi kuwana mukadzi wehama yake, mukadzi achaenda kuvakuru pasuo reguta agoti, “Hama yomurume wangu yaramba kumutsa zita romukoma wake muIsraeri. Haadi kuita zvinofanira kuitwa nehama yomurume kwandiri.”
8 Ipapo vakuru veguta romurume uyu vanofanira kumudana vataure naye. Kana akaramba achiti, “Handidi zvangu kumuwana,”
9 chirikadzi yehama yake inofanira kuenda kwaari pamberi pavakuru, agomubvisa imwe yeshangu dzake, uye agomusvipira kumeso achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa kumurume anoramba kuvaka imba yomukoma wake.”
10 Imba yomurume uyu ichazivikanwa muIsraeri nezita rokuti Imba Yomurume Akabvisa Shangu Yake.
11 Kana varume vaviri vachirwa ipapo mukadzi womumwe wavo akauya kuzonunura murume wake pane anomurwisa, uye akaswedera akabata murume uya nhengo dzake,
12 munofanira kugura ruoko rwake. Musamunzwira tsitsi.