4 Muprista anofanira kutora dengu kubva mumaoko ako agoriisa pasi pamberi pearitari yaJehovha Mwari wake.
5 Ipapo uchareva pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji.
6 Asi vaIjipita vakatiitira zvakaipa, vakatitambudza, vachitibatisa basa rinorema.
7 Ipapo takadana kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu akaona kutambudzika kwedu, kushandiswa nokumanikidzwa kwedu.
8 Saka Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo uye nezvishamiso.
9 Akatiuyisa panzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.
10 Zvino ndauya nezvibereko zvokutanga zvevhu ramakandipa imi, iyemi Jehovha.” Uise dengu pamberi paJehovha Mwari wako uye ugopfugama pamberi pake.