1 Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika.
2 Maropafadzo aya ose achauya pamusoro penyu uye achava nemi kana muchiteerera Jehovha Mwari:
3 Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda.
4 Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako.
5 Dengu rako nomudziyo waunokanyira chingwa zvicharopafadzwa.
6 Ucharopafadzwa kana uchipinda uye ucharopafadzwa kana uchibuda.
7 Jehovha achaita kuti vavengi vako, vanokumukira kuti vakurwise, vakundwe pamberi pako. Vachauya kwauri nenzira imwe asi vagotiza vachibva kwauri nenzira nomwe.