3 Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda.
4 Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako.
5 Dengu rako nomudziyo waunokanyira chingwa zvicharopafadzwa.
6 Ucharopafadzwa kana uchipinda uye ucharopafadzwa kana uchibuda.
7 Jehovha achaita kuti vavengi vako, vanokumukira kuti vakurwise, vakundwe pamberi pako. Vachauya kwauri nenzira imwe asi vagotiza vachibva kwauri nenzira nomwe.
8 Jehovha achakutumira kuropafadzwa pamatura ako uye nepane zvose zvauchabata namaoko ako. Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yaari kukupa.
9 Jehovha achakusimbisai sorudzi rwake rutsvene, sezvaakakuvimbisai nemhiko, kana mukachengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nokufamba munzira dzake.