41 Uchabereka vanakomana navanasikana asi haungavachengeti, nokuti vachaenda muutapwa.
42 Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvose zvichadyiwa nemhashu.
43 Mutorwa anogara pakati penyu acharamba achibudirira kupfuura iwe, asi iwe ucharamba uchidzikira pasi pasi.
44 Achakukweretesa, asi iwe haungamukweretesi. Iye achava musoro asi iwe uchava muswe.
45 Kutukwa kwose uku kuchauya pamusoro pako. Vachakutevera vagokubata kusvikira vakuparadza, nokuti hauna kuteerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro nemitemo yake yaakakupai.
46 Ivo vachava chiratidzo nechishamiso kwamuri uye nokuvana venyu nokusingaperi.
47 Nokuti hamuna kushumira Jehovha Mwari wenyu nomufaro nokupembera panguva yokubudirira,