3 ipapo Jehovha Mwari wenyu achakudzorerai pfuma yenyu agokunzwirai tsitsi nokukuunganidzai kubva kundudzi dzose kwaakakuparadzirai.
4 Kunyange dai manga makarasirwa kunyika iri kure kwazvo pasi pedenga, kubva ikoko Jehovha Mwari wenyu achakuunganidzai uye agokudzosai.
5 Achakudzosai kunyika yamadzibaba enyu, uye muchaitora igova yenyu. Achakuitai kuti munyanyobudirira uye muwande kupfuura madzibaba enyu.
6 Jehovha Mwari wenyu achadzingisa mwoyo yenyu nemwoyo yezvizvarwa zvenyu, kuitira kuti mugomuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, mugorarama.
7 Jehovha Mwari wenyu achaisa kutukwa uku kwose pamusoro pavavengi venyu vanokuvengai nokukutambudzai.
8 Muchateererazve Jehovha nokutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
9 Ipapo Jehovha Mwari wako achakupfumisa zvikuru mumabasa ose amaoko ako nechibereko chomuviri wako, nezvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvibereko zvevhu rako. Jehovha achafadzwazve newe agokupfumisa, sokufadzwa kwaakaitwa namadzibaba ako,