16 Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.
17 Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.”
18 Pamusoro paZebhuruni, pakubata kwako,“Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako.
19 Vachadanira vanhu kumakomo uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama; vachaguta nezvizhinji zvamakungwa, nepfuma yakavigwa mujecha.”
20 Pamusoro paGadhi akati,“Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi! Gadhi anogaramo seshumba, achibvambura ruoko kana musoro.
21 Akazvisarudzira nyika yakanakisisa; mugove womutungamiri waakachengeterwa iye. Vakuru vavanhu pavakaungana, iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama, uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.”
22 Pamusoro paDhani akati,“Dhani mwana weshumba. anokwakuka achibva muBhashani.”