11 Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru.
12 Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi ramashoko asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga.
13 Iye akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, iyo akakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
14 Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu.
15 Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhu ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru,
16 kuita kuti murege kuzvishatisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingave chakaitwa somurume kana somukadzi,
17 kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga,