14 Musatevera vamwe vamwari, vamwari vamarudzi akakupoteredzai;
15 nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika.
16 Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa.
17 Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai.
18 Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai uye mugopinda nokutora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu,
19 agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.
20 Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu inorevei?”