2 kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama.
3 Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuiitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.
4 Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete.
5 Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose.
6 Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu.
7 Uzvisimbisise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka.
8 Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.