1 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake:
2 Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha;
3 Isakari, Zebhuruni naBhenjamini;
4 Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri.
5 Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti.
6 Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa,