19 Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.”
20 Vakati vabva paSukoti vakadzika musasa paEtami pamucheto werenje.
21 Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku.
22 Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu.