15 Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari.
16 Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.”
17 Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka.
18 Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetsa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga.
19 Nditeerere iye zvino uye ndichakupa zano, uye Mwari ngaave newe. Iwe unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye iwe ugouyisa magakava avo kwaari.
20 Uvadzidzise mitemo uye mirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita.
21 Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi.