9 Uchashanda mazuva matanhatu nokuita basa rako rose,
10 asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Pazuva iroro hamufaniri kuita basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, murandarume wako kana murandakadzi wako, uye zvipfuwo zvako kana mutorwa ari mukati mamasuo ako.
11 Nokuti mumazuva matanhatu Jehovha akaita matenga nenyika, gungwa, nezvose zviri mariri, asi akazorora nomusi wechinomwe. Naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.
12 “Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
13 “Usauraya.
14 “Usaita upombwe.
15 “Usaba.