8 Ipapo Mozisi akatora ropa, akarisasa pamusoro pavanhu uye akati, “Iri iropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano namashoko aya ose.”
9 Mozisi naAroni, Nadhabhu naAbhihu uye navakuru makumi manomwe vavaIsraeri vakakwira
10 uye vakaona Mwari waIsraeri. Pasi petsoka dzake pakanga pane chimwe chinhu chakaita sechivakwa chesafiri, chakanga chichionekwa sedenga pacharo.
11 Asi Mwari haana kusimudza ruoko rwake pamusoro pavatungamiri vavaIsraeri ava; vakaona Mwari, uye vakadya vakanwa.
12 Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo uye ugare pano, uye ndichakupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.”
13 Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari.
14 Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.”