2 “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.
3 Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: goridhe, sirivha, ndarira;
4 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi;
5 matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia;
6 mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvemafuta okuzodza anonhuwira uye nezvimwe zvinonhuwira;
7 mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
8 “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo.