1 “Uite tabhenakeri namachira gumi omucheka wakarukwa wakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko.
2 Machira ose anofanira kuva akaenzana, akareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubiti manab paupamhi.
3 Ubatanidze machira mashanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo namamwe mashanu.
4 Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wejira zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nejira rokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa.
5 Uite zvishwe makumi mashanu pajira rimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wejira rezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe.
6 Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza machira pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe.