1 “Uvake aritari yamatanda omuakasia, makubhiti matatua pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanub uye upamhi hwayo makubhiti mashanu.
2 Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira.
3 Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo kuti dzibvise madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama uye makango apamoto.
4 Uyiitire chiparo, mumbure, ndarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yomumbure.