13 Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu.
14 Machira akareba makubhiti gumi namashanue anofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu,
15 uye mamwe machira akareba makubhiti gumi namashanu ngaavewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo.
16 “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi mavirif, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.
17 Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira.
18 Ruvazhe ruchareba makubhiti zanag uye makubhiti makumi mashanuh paupamhi, namachira emicheka yakarukwa yakaisvonaka yakareba makubhiti mashanui, uye nezvigadziko zvendarira.
19 Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.