12 Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari.
13 Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari.
14 Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi.
15 “Utore rimwe regondohwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro.
16 Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari.
17 Ucheke gondohwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu.
18 Ipapo ugopisa gondohwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.