3 Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondohwe maviri.
4 Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova nokupinda navo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
5 Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi.
6 Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene.
7 Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake.
8 Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi
9 uye ugoisa mabhanire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake.