1 “Uite aritari yokupirisa zvinonhuwira namatanda omuakasia.
2 Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetea uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti mavirib, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo.
3 Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka,
4 uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura.
5 Uite mapango aya nomuti womuakasia uye uafukidze negoridhe.
6 Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.