14 Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana avo vapfuura, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha.
15 Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu.
16 Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”
17 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
18 “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendariria. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.
19 Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura kuitira kuti varege kufa.
20 Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto,